Zechariah 2

Murume ane Rwodzi Rwokuyeresa

1Ipapo ndakasimudza meso angu, zvino hapo pamberi pangu paiva nomurume aiva nerwodzi rwokuyeresa muruoko rwake! 2Ndakabvunza ndikati, “Uri kuendepiko?”

Akandipindura achiti, “Kunoyera Jerusarema, kuti ndione kufara kwaro nokureba kwaro.”

3Ipapo mutumwa aitaura neni akaenda, uye mumwe mutumwa akauya kuzosangana naye 4uye akati kwaari: “Mhanya undoudza jaya iro kuti, ‘Jerusarema richava guta risina masvingo nokuda kwokuwanda kwavanhu nezvipfuwo zviri mariri. 5Uye ini pachangu ndichava rusvingo rwomoto rwakarikomberedza,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘uye ndichava kubwinya kwaro mukati maro.’

6“Uyai! Uyai! Tizai kubva kunyika yokumusoro,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “nokuti ndakakuparadzirai kumhepo ina dzedenga,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

7“Uya, iwe Zioni! Tiza, iwe unogara muMwanasikana weBhabhironi!” 8Nokuti zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Mushure mokunge andikudza uye andituma kundorwisa ndudzi dzakakupambai, nokuti ani naani anokubatai anobata mboni yeziso rake, 9zvirokwazvo ndichasimudza ruoko rwangu kuti ndivarwise kuitira kuti nhapwa dzavo dzigovapamba. Ipapo muchaziva kuti Jehovha Wamasimba Ose akandituma.

10“Pembera uye ufare, iwe Mwanasikana weZioni. Nokuti ndiri kuuya, uye ndichagara pakati penyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha. 11“Ndudzi zhinji dzichabatana naJehovha pazuva iro uye vachava vanhu vangu. Ndichagara pakati penyu uye muchaziva kuti Jehovha Wamasimba Ose akandituma kwamuri. 12Judha ichava nhaka yaJehovha somugove wake munyika tsvene uye achasarudzazve Jerusarema. 13Nyararai pamberi paJehovha, vanhu vose, nokuti asimuka kubva panzvimbo yake tsvene yaanogara.”

Copyright information for SnaBDSC